﻿MAPISAREMA.
147.
Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza! 
Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri. 
Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo. 
Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo. 
Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi. 
Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa. 
Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira. 
Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo. 
Anopa mombe zvokudya navana vamakunguo pavanochema. 
Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu; 
Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi. 
Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni, 
nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri. 
Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka. 
Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo. 
Anowarira chando samakushe amakwai, uye anoparadzira chando samadota. 
Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova? 
Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera. 
Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri. 
Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha. 
