﻿MAPISAREMA.
128.
Rwiyo rworwendo. Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake. 
Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako. 
Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako. 
Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha. 
Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; muone henyu kubudirira kweJerusarema, 
uye murarame kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri. 
