﻿MAPISAREMA.
124.
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Israeri ngaati dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu, 
dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu patakarwiswa navanhu, 
apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu; 
mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura, 
mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure. 
Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo. 
Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka. 
Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika. 
