﻿MAPISAREMA.
121.
Rwiyo rworwendo. Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? 
Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. 
Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; 
zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata. 
Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi; 
zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku. 
Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako; 
Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi. 
