﻿MAPISAREMA.
111.
Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, padare ravakarurama nepagungano. 
Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari. 
Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. 
Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni. 
Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi. 
Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi. 
Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika. 
Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama. 
Akapa dzikinuro kuvanhu vake; akasimbisa sungano yake nokusingaperi, zita rake idzvene uye rinotyisa. 
Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi. 
