﻿MAPISAREMA.
100.
Pisarema rokuvonga. Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose. 
Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro. 
Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye. 
Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake. 
Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose. 
