﻿MAPISAREMA.
93.
Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo; Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba. Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi. 
Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi. 
Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza, makungwa akasimudza manzwi awo; makungwa akasimudza mafungu anotinhira. 
Mukuru kukunda kutinhira wemvura zhinji, mukuru kukunda mafungu egungwa, Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru. 
Zvamakatema hazvishanduki; utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha, kwamazuva asingaperi. 
