﻿MAPISAREMA.
87.
Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo. Akateya nheyo dzake pagomo dzvene; 
Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho. 
Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera 
“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ” 
Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.” 
Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera 
Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.” 
