﻿MAPISAREMA.
82.
Pisarema raAsafi. Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti, 
“Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera 
Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa. 
Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa. 
“Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa. 
“Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’ 
Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.” 
Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu. 
