﻿MAPISAREMA.
62.
Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi. Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari. 
Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi. 
Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa? 
Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira nhema. Vanoropafadza nemiromo yavo, Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera 
Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari. 
Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi. 
Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu. 
Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera 
Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo, asi vanokudzwa inhema bedzi; kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu; vose pamwe chete vanongova mweya. 
Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi. 
Chinhu chimwe chakataurwa naMwari, zvinhu zviviri zvandakanzwa: Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba, 
uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo. Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita. 
