﻿MAPISAREMA.
54.
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?” Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu. 
Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu. 
Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera 
Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira. 
Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu. 
Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka. 
Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu. 
