﻿MAPISAREMA.
48.
Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora. Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene. 
Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru. 
Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro. 
Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa, 
vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya. 
Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka. 
Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva. 
Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera 
Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi. 
Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama. 
Gomo reZioni rinofarisisa, misha yeJudha inofara nokuda kwokutonga kwenyu. 
Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro, 
fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera. 
Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo. 
