﻿MAPISAREMA.
38.
Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro. Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu. 
Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu. 
Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu. 
Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura. 
Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu. 
Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose. 
Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano. 
Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo. 
Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri. 
Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu. 
Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni. 
Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri. 
Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo; 
ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri. 
Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu. 
Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.” 
Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni. 
Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza. 
Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda. 
Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka. 
Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu. 
Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira. 
