﻿MAPISAREMA.
34.
Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake. Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. 
Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. 
Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete. 
Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose. 
Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi. 
Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose. 
Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura. 
Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari. 
Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa. 
Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka. 
Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha. 
Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda, 
dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema. 
Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere. 
Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo; 
chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika. 
Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose. 
Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya. 
Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose; 
anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika. 
Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva. 
Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva. 
