﻿MAPISAREMA.
29.
Pisarema raDhavhidhi. Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba. 
Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. 
Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji. 
Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa. 
Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari, Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni. 
Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru, neSirioni senzombe yenyati. 
Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni. 
Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi. 
Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!” 
Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi. 
Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare. 
