﻿MAPISAREMA.
11.
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri. 
Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo. 
Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?” 
Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza. 
Jehovha anoedza vakarurama, asi vakaipa navanoda zvechisimba mweya wake unovavenga. 
Pane vakaipa anonayisa mazimbe omoto nesafuri inopfuta; mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo. 
Nokuti Jehovha akarurama, anoda kururamisira; vanhu vakarurama vachaona chiso chake. 
