﻿MAPISAREMA.
6.
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu. 
Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza. 
Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko? 
Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi. 
Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva? 
Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi. 
Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose. 
Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu. 
Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu. 
Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa. 
