﻿MAPISAREMA.
3.
Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake. Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira! 
Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera 
Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu. 
Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera 
Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira. 
Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise. 
Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa. 
Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera 
