﻿Jobho.
16.
Ipapo Jobho akapindura akati: 
“Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina! 
Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo? 
Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu. 
Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo. 
“Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi. 
Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose. 
Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa. 
Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya. 
Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa. 
Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata. 
Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira; 
vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi. 
Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi. 
“Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva. 
Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu; 
asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena. 
“Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo! 
Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro. 
Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari; 
anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake. 
“Makore mashoma bedzi asara, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi. 
